Kuziva Mabasa aSatani Muchiedza Cheizwi RaMwari
Chinangwa chebhaibheri rinoera hachisi chokuburitsa pachena Satani namabasa ake. Asi tinoverenga zvizhinji mubhaibheri zvinoratidza zviito namabasa ake.
Satani neimwe nguva akanga ari ngirozi, asi akapandukira Mwari, musiki wake, uye aida kuti afanane naye. Zviito zvehumambo hwerima hwaSatani hazvisi zvitsva. Zvinoratidza zvaanowanzoita kubva kare, iye achida kukunda humambo hwaMwari. Anopa imwe nzira yakasiyana nezvingaitwa naMwari kupfurikidza naMweya Mutsvene.
Tikaverenga munaEksodo nezve masimba en’anga dzemaEgipiti apo padzakaedza kudzokorora kubudisa zvishamiso zvakaitwa naMwari paruoko rwaMoses. Mubhuku raJobho tinooneswa kuti Satani akanga aine ruchiva nokutendeseka kwakanga kwakaita Jobho kuna Mwari. Akashandisa utsinye nokupa nhamo nokuedza kumanikidza Jobho kuti apandukire Mwari.
Nzira dzasatani dzinoonekwa dzinoti kutya, kuchichidzira, chivimbiso cherufaro kana simba, kutyisidzira nekufungira. Zvimwe zvinhu zvokutanga zvinoratidzwa kwatiri zvingaite sezvinofadza kana kunakidza. Iye anoti “Unoda kuziva ramangwana kana kuona uko vamwe vasingakwanise kuve nako.” Anokwanisa kurapa nenzira dzisingagoneke neruzivo rwesainzi. Zivo yenyenyedzi, kana kududzira remangwana kunokwanisa kuita zvezvinhu zvisina mhaka, asi zvinozoitwa zvichiperekedzwa nemashoko emapipi, kuremekedza mazuva uye kutya dzimwe nhamba. Kufunga uku kunoziviswa kuchinzi kune dzimwe mhepo dzinofanirwa kuremekedzwa nokutyiwa nokuda kwesimba ravainaro pamusoro pedu. Ndiyo miteyo yasatani kana usina kuchenjera muhumambo wokutya iye nemweya yake.
Vazhinji vanopinda muzvinhu zvinotanga sezvisina basa,kana kutoita sezvakanaka. Zvimwe zvingave mutambo weOuija, kuverenga nyeredzi, kurava maoko uchicherekedza raki rake, uye zvimwe zvakadai, vakazvigadzirira pachezvavo kuti mweya yakaipa ive nekuvatambudza zvekare.
Chinangwa chaSatani ndechekuparadza uye kekupedzisira kuparadza rutendo rwedu kuna Mwari. Makristu vakadzidzira vakakunda nekuva nerutendo muna Kristu nemuna iye chete. Chishuwo chekuziva zvakavanzika kana kuchiva simba ,zvinokwanisa kupesvedzera munhu kuti aedze zvinhu zvemasimba aSatani. Ruvimbo runyoro muna Mwari runoisa mumwe mukuzorora neizvo zvatinoti hazvizivikanwe zvichiita kuti mumwe ave neruvimbo rwakanaka musimba raKristu.
Zvinhu zvinotanga sekuda kungoziva,zvinopedzisira zvabata munhu mumambure ekutya; kutya zvingangoitika,kutya masimba makuru,kutya vamwe vanhu nekutotya Satani pachake. Zvese izvi zvinoputira munhu azvibvumira kupinda mukuitwa kwezvinhu zvisina kuchena.
Mukupindura kutya uku Satani anozviti iye ane chidziviriro chezvakaipa. Anovimbisa simba kune avo vanozvipira kuita mhiko dzake kana kumuteerera. Kutya mimwe mweya kunogona kukurirwa nekuva nesimba kana kuva masimba pachedu, ndizvo zvaanotaura. Naizvozvo munhu anoratidzwa masimba akasiyana siyana aanokwanisa kuwana, asi pane kuti awane runyararo rwaanotsvaga anotipinda mukuedzwa kusingaperi kwaSatani. Kuchengetedzwa kunovimbiswa naSatani hakunyatsobatiki zvinotsividzwa nechengetedzo yemasimba makuru anowanika munzvimbo yehuipi. Ndiwo maitiro ehuSatanism.
Chinangwa chaSatani ndechekutora chinzvimbo chaMwari. Satani akasikwa kuti anamate kwete kuti anamatwe. Haana simba rakakurisa. Haakwanisi kukunda Gwayana raMwari. Satani haakwanisi kutichengetedza, haafarire kuzvibata kwedu. Zvisinei anoramba achibata simba pamusoro pevanhu achivaisa pasi pake. Anoda kuparadza kuvimba naMwari nehumambo hwavo. Arikuedza kuvaka bato rake raanozviti iye ndiye mukuru. Izvi zviri kubudirira kuburikidza nehurongwa hwekutya nekunyengerwa kwesimba. Anoita mashura kuti pfungwa dzevanhu dzibatwe nekutya. (2 Vakorinde 11:14-15) Mhedzisiro yezviitiko izvi kuparadzwa kwerugare mumunhu, mudzimba nemuhurumende. Ndiyo miteyo zvinobata vanhu inokupinza mukutya iye pavanoedza kupukunyuka.
Satani akatsamwa kwazvo, aneruvengo, anotyisa kwazvo. Imhandu yakaipisisa yauinayo. Haana kana ruremekedzo. Munyengeri, maari hamuna chokwadi. Anonyepa uye ndibaba vemanyepo. (Johani 8:44) Muurayi, mharadzi ndiye anochengetedza ruvengo nezvakaipa. Munhu akanyatsoipa seri neseri, asina runyararo rwakanaka.
Satani ndiye honzeri yezvose zvakaipa. Kuna Satani hapana chivi chinganzi chakanyanya kuipa. Ndiye honzeri yeruvengo rwose, humhondi, kushungurudzwa kwemadzimai nevana, kuputwa kwezvinodhaka, kusarurama kose nedzimba dzakaputsika, kupopoptedzana, huroyi nekusavimbikana. Anofarira kukonzera mhosva dzeruchiva,nemhosva dzinoparwa kuvanhu vasina mhaka asi vachingoitirwa zvakaipa neavo vakazvipa kunaSatani. Haana tsitsi uye haaregereri, haambonzwira tsitsi nekutambudzika, kudeuka kweropa nerufu ndiyo midziyo yaanoshandisa kuwana zvinangwa zvake. Akauya “kuzoba, kuzouraya nekuparadza” (Johani 10:10).
Magumo emukati merwendo rwaSatani akarongwa kare. Nzvimbo yemoto isingagume yakagadzirirwa iye navatumwa vake (Mateo 26:41). Anodisa kuti atore vanhu vakawanda sezvaangakwanise kuti vatambudzike nekurwadziwa pamwe chete naye. Anozviziva kuti anogona kuita izvi nekutinetsa pakupedzisira obva aparadza rutendo rwedu muna Mwari. Anokwanisa kuita izvi kupfuurikidza nekupikisa shoko raMwari pachena..kana kukuridzira chiKristu chakaneta uye chisina hanya kana simba.
Iripo dzikinuro kubva paruoko rwaSatani. Anoita kuti ufunge kuti hapana imwe nzira yokubuda nayo. Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu akauya kuzosunungura vakatapwa. Akauya kuzopa upenyu. “Jesu ndiye nzira, chokwadi neupenyu” (Johani 14:6) Paupenyu aripano pasi Jesu akaratidza Satani masimba ake nokukunda miyedzo yake nekuburitsa mweya yakaipa nezwi raMwari (Mateo 4:1-11, Mako 9:25-26). Jesu akakunda masimba aSatani pakufa kwake pamuchinjikwa nokumuka kuvakafa.
Tingazviisa sei mukukunda nokurwisana nemhandu yemweya yedu? Chokutanga tinofanira kufunga kuti takanga takapambwa naSatani ndokubatwa mukumutya. Tinofanira kuziva kuti kutadza uye kuti takarasika kana tichirambira mazviri. Kana tichiziva kuti hatikwanisa kuzviburitsa muruoko rwaSatani tinofanira kuchemera kunaMwari nemoyo wose kuti tidzikunurwe. Tinofanira kuti titendeuke nokusiya zvivi zvedu. Tinoda kuti tigamuchire nenyasha kuripirwa kwatakaitwa neropa raJesu Kristu pazvivi zvedu. Tinofanira kuzviisa kunaMwari, nokugamuchira ruregerero, nokutenda tokoshesa mashoko ake anotipa shanduko, zvinobva zvaita kuti tive mumwe wavana vake. Izvi ndizvo zvinoreva kuberekwa kutsva. Uyo anoramba kudana kwaMwari achiri muhumambo hwaDiabhorosi, uye munyengeri zvokwadi achaenda naye kukutambudzwa kusingaperi.
Kana usinganzwisisi urongwa uyo Mwari akakuitira iwe, nzvera mashoko aMwari, munamate nemwoyo wose, iye achakuratidza nzira. Mwari ari kukudaidza kwaari achida kuti upunyuke kubva muusungwa hwaDiabhorosi. Mwari ngaakukomborere. Verenga Mapisarema makumi mapfumbamwe nerimwe.(91)
Zvokupamhidzira pakuverenga:
Ruka 11:20-23……..Mumwe chete anesimba kupfuura Diabhorosi
VaRoma 6:20-23…………Rusununguko kubva pazvivi
Isaya 61:1…………………Kusununguka pautapwa
VaRoma 8:1-2……………Kusununguka kubva pakuita zvakaipa