Pakutanga kwakanga kusina chiripo panyika.
Kusina hove.
Kusina nyenyedzi.
Kusina makungwa kana maruva akanaka.
Kwose kwakanga kusina chinhu kuchingova nerima.
Asi Mwari akanga aripo, iye Mwari watirikungonamata nhasi uno.
Mwari akanga aine hurongwa hwakanaka. Akafunga nezvenyika yakanaka, ari kufunga kudaro akabva aigadzira. Akaigadzira yose pasina chinhu. Mwari paaigadzira chero chii zvacho, aingoti “Ngazvigadzirike,” zvichibva zvangoita.
Akasika chiedza. Akasika nzizi namakungwa, neuswa hwakazara pasi pose, nemhuka, neshiri pamwe nemiti.
Pakupedzisira, Mwari akasika murume, achibva azosika mukadzi womurume uya. Mazita avo aiva Adhamu naEvha.
Mwari aivada zvakanyanya. Manheru oga oga Mwari aivashanyira mubindu ravaigara.
Mubindu iri vaiita zvavanoda, kunze kwomuchero mumwe chete uyo, Mwari asina kuvabvumira kuti vadye.
Adhamu naEvha vakanga vari vanhu vaigara vachifara asi rimwe zuva vakaedzwa naSatani, muvengi waMwari. Vakafunga zvokudya muchero wairambidzwa naMwari. Vakabva vakatadza. Ipapo vakabva kunyara pamwe nokusafara.
Vakanga vasisataurirana naMwari. Vakanga vave kunzwa marwadzo pamwe nekutambudzika uye nekufa. Zvakavanetsa zvikuru.
Mwari akavimbisa kuvabtsira. Akati kwavari, “Kana nguva yakwana, ndichatuma mwanakomana wangu Jesu munyika. Achauya pasi achibva mudenga kuti agadzirira nzira yokuregerera zvivi. Kuti aite izvi, achatambudzika nokufira vanhu.” Vakafara sei, kuti Mwari vaironga kunovatumira muponesi!
Adhamu naEvha vakaita vana pamwe navazukuru. Nekufamba kwenguva kwakanga kwava nevanhu vakawanda vaigara munyika.
Mwari aida kuti vanhu vose vagare vachifara. Aivaudza zvokuita. Iyi ndiyo mimwe mitemo yakapiwa vanhu naMwari. Ekisodo 20:3-17
- Usava navamwe vamwari kunze kwangu
- Usazviitira mufananidzo wakavezwa.
- Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina.
- Rangarira zuva reSabata, kuti urichengete rive dzvene.
- Kudza baba vako namai vako.
- Usauraya munhu.
- Usaita upombwe.
- Usaba.
- Usapupurira wokwako nhema.
- Usachiva imba yowokwako, usachiva mukadzi wowokwako, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chimwewo chowokwako.
Izvi zvakanga zvakanyorwa muBhaibheri kuti tigozviverengawo. Kana tikazvitevedza tichagara tichifara.
Satani haadi kuti tizvitevedza. Dzimwe nguva anotiudza kuti tibe kana pasina anenge achizviona. Asi Mwari anenge achiona. Mwaro anoona zvose.
Dzimwe nguva Satani anotiedza kuti tireve nhema tichifunga kuti hapana anozviziva. Mwari anozviziva. Anonzwa zvose.
Kana tichinge taita zvose izvi, hatinzwe zvakanaka mukati memwoyo yedu. Mwari anotida uye anoda kutibatsira kuti tive vanhu vakanaka. Ndicho chikonzero akatumira Jesu munyika. Mwari anoyeuka chivimbiso chake.
Kwapera makore akawanda, Jesu akazvarwa semwana mucheche. Akakura akava murume.
Akaita zvinhu zvakanaka zvakawanda chaizvo. Akaporesa varwere. Akaita kuti mapofu aone. Akaropafadza vana.
Jesu haana kana kutadza. Akaudza vanhu nezvaMwari uye nenzira yokumutevera.
Kwapera nguva vavengi vaJesu vakamuroverera pamuchinjikwa. Akafa.
Akatambudzika akafira zvivi zvevanhu vose, pamwe naivo vakamuroverera pamuchinjikwa.
Jesu akavigwa. Asi kwakaitika chishamiso. Haana kugara muguva. Akamuka muvafi.
Pakarepo Mwari akamutora kwakare mudenga ari mugore. Shamwari dzake dzakanga dzakatarisa achienda, ngirozi ichibva yavaudza kuti Jesu achadzoka zvakare.
Jesu akafira zvivi zveduwo. Anoda kuti tinyare pamwe nekukumbira kuti tiregererwe zvivi zvedu. Akamirira kutiregerera.
Tinogona kunamata kuna Mwari nguva yose. Anonzwa izwi roga roga uye anoziva pfungwa dzedu. Anotiita kuti tifare mukati medu kana zvivi zvedu zvaregererwa. Saka tinoda kugara tichiita zvakanaka. Tinofanira kuva vakanaka.
Tingasarudza kusatevera Mwari tichitevera Satani. Asi shoko raMwari rinotiudza kuti tichakandwa mugehena kana tamuramba muupenyu uno. Gehena inzvimbo inopisa nokusingaperi.
Asi kana tine rudo tichitevera Jesu, achatitora oenda nesu kudenga kana achinge adzoka.
Kudenga kumusha kwakanaka kwaMwari nemwanakomana wake Jesu. Musha werudo nechiedza. Ikoko tichagara tichifara.
Rwiyo rwekuimba
Jesu wandidisa’ni, randiudza Bhaibheri,
Vana vanomudisa, Muponesi vavada.
Chorus
Jesu wandida, Jesu wandida,
Jesu wandida, Bhuku randiudza
Jesu wakandifira, wakasiya’ro denga,
Wakauya pasizve, kuponesavo vese.
Jesu wandidisa’ni, ndine urombo ini;
Wakazarurirawo nzira yekudenga’ro
Jesu wandidisa’ni, uripetyo zve neni;
Kuti ndikamuda’ye, unozonditorazve.