Jesus

Pakutanga kwakanga kusina chiripo panyika. Kusina hove. Kusina nyenyedzi. Kusina makungwa kana maruva akanaka. Kwose kwakanga kusina chinhu kuchingova nerima. Asi Mwari akanga aripo, iye Mwari watirikungonamata nhasi uno. Mwari akanga aine hurongwa hwakanaka. Akafunga nezvenyika yakanaka, ari kufunga kudaro akabva aigadzira. Akaigadzira yose pasina chinhu. Mwari paaigadzira chero chii zvacho, aingoti “Ngazvigadzirike,” zvichibva zvangoita. Akasika chiedza. Akasika nzizi namakungwa, neuswa hwakazara pasi pose, nemhuka, neshiri pamwe nemiti. Pakupedzisira, Mwari akasika murume, achibva azosika mukadzi womurume uya. Mazita avo aiva Adhamu naEvha. Mwari aivada zvakanyanya. Manheru oga oga Mwari aivashanyira mubindu ravaigara.

Albanian Amharic Arabic Bengali Chinese English Ewe French Haitian Creole Hindi Indonesian Japanese Kazakh Korean Malayalam Mongolian Mossi Nepali (Macrolanguage) Norwegian Persian Polish Portuguese Punjabi Russian Southern Sotho Spanish Swedish Tagalog Tajik Tamil Thai Turkish Ukrainian Urdu Vietnamese Waray (Philippines)

2024 Chivabvu 21 in  Jesus 3 minutes