Iwe unofara here? Kutya nemhosva yezvivi zvingabvisa rufaro rwenyu. Ungazvibvunza kuti “Ndingawane rufaro sei?” Ndinawo mashoko akanaka kwamuri! Pane munhu anogona kukubatsira. Iye anogona kukupai rufaro rusingaperi. Zita rake ndiJesu. Regai ndokuudza nezvake. Baba wake Mwari, ndiye akasika nyika. Akasika zvese zvirimunyika. Ndiye akasika iwe neni. Mwari Anotida zvikuru sei. Anoda vanhu vose pasi rose. Mwari anotida zvakawanda sei kuti akatitumirira Jesu, mwanakomana wake mumwe woga, pasi pano panyika. Jesu akanga aripo panyika akaporesa varwere, akanyaradza vakasuwa. Akavhura maziso emapofu. Akadzidzisa vanhu zvinhu zvakawanda.
Ndine shamwari. Ishamwari yakakoshesesa yandati ndambova nayo. Ane tsitsi nezvokwadi zvekuti ndaidisa kuti dai wamuzivawo. Zita rake ndiJesu. Chinhu chinofadza zvikuru ndechekuti iye anoda kuva shamwari yako. Chirega ndikuudze pamusoro pake. Tinoverenga pamusoro pake muBhaibheri. Bhaibheri izvokwadi. Ishoko raMwari. Mwari ndiye akasika nyika nezvose zviri mairi. Ndiye Ishe wekudenga nepasi. Anopa hupenyu nemweya wekufema kuzvinhu zvose. Jesu mwanakomana waMwari. Mwari akamutuma kubva kudenga kuuya panyika kuti azova Muponesi wedu. Mwari vakada nyika nokudaro (Mwari vakada iwe neni) kuti akapa Mwanakoman wake mumwe woga, Jesu (kuti afire zvivi zvedu) kuti aninaani anotenda kwaari arege kufa asi ane nehupenyu husingaperi. Johani 3:16
2024 Chivabvu 21 in Jesus, Love, Friendship, Color 2 minutes
Pakutanga kwakanga kusina chiripo panyika. Kusina hove. Kusina nyenyedzi. Kusina makungwa kana maruva akanaka. Kwose kwakanga kusina chinhu kuchingova nerima. Asi Mwari akanga aripo, iye Mwari watirikungonamata nhasi uno. Mwari akanga aine hurongwa hwakanaka. Akafunga nezvenyika yakanaka, ari kufunga kudaro akabva aigadzira. Akaigadzira yose pasina chinhu. Mwari paaigadzira chero chii zvacho, aingoti “Ngazvigadzirike,” zvichibva zvangoita. Akasika chiedza. Akasika nzizi namakungwa, neuswa hwakazara pasi pose, nemhuka, neshiri pamwe nemiti. Pakupedzisira, Mwari akasika murume, achibva azosika mukadzi womurume uya. Mazita avo aiva Adhamu naEvha. Mwari aivada zvakanyanya. Manheru oga oga Mwari aivashanyira mubindu ravaigara.
2024 Chivabvu 21 in Jesus 3 minutes