Iwe unofara here? Kutya nemhosva yezvivi zvingabvisa rufaro rwenyu. Ungazvibvunza kuti “Ndingawane rufaro sei?”
Ndinawo mashoko akanaka kwamuri! Pane munhu anogona kukubatsira. Iye anogona kukupai rufaro rusingaperi. Zita rake ndiJesu. Regai ndokuudza nezvake.
Baba wake Mwari, ndiye akasika nyika. Akasika zvese zvirimunyika. Ndiye akasika iwe neni.
Mwari Anotida zvikuru sei. Anoda vanhu vose pasi rose. Mwari anotida zvakawanda sei kuti akatitumirira Jesu, mwanakomana wake mumwe woga, pasi pano panyika. Jesu akanga aripo panyika akaporesa varwere, akanyaradza vakasuwa. Akavhura maziso emapofu. Akadzidzisa vanhu zvinhu zvakawanda.
Jesu Aida kuti isu tinzwisise rudo rukuru runoitirwa iwe neni naMwari, baba wake. Akataurira rungano urwu rwunotsanangura rudo rwababa wake. Ungarwuverenga muBhaiberi pana Ruka 15:11-24.
Mumwe murume aiva nevanakomana vaviri. Aifunga kuti zvose zvirikufamba zvakanaka. Rimwe zuva mumwe mukomana akamupandukira akauya kwaari achiti, “Handidi musha uno, ndinoda kuita zvandinoda, ndakuenda. Ndipe mugove wenhaka yangu.” Baba vakasuwa chaizvo, asi akamupa mari yenhaka ndokumubvumira kuti aende. Vakanga vachifunga, “Ndichamuona zvakare here?”
Mwanakomana akaenda kure akazvifadza nemari yake pamwe chete neshamwari dzake. Akadya mari yake, asina hanya nazvo akagara achizvifadza. Akafunga kuti akanga aiva nenguva yakanaka kusvikirwa mari yake yapera uyewo shamwari dzake dzakamusiya. Aiva ega uye aiva avakushayiwa. Izvozvi angaitei?
Akaenda kumurimi akamutumira kunopa nguruve zvekudya. Haana kupiwa zvokudya zvinomugutsa. Aiva nenzara zvekuti angadai akadya zvokudya zvenguruve. Ozotanga kufunga nezve zvinhu zvose zvakaipa zvaakaita uyewo kushungurudza kwaakaitira baba vake. Akatanga kushungurudzika nekushungurudzika.
Rimwe zuva akarangarira kuti baba vake vaimuda sei, nekumuchengeta zvakanaka sei, apo achiri pamba. Kunyange vashandi vababa vaiva nezvokudya zvakawandisa.
Akafunga, “Ndingadzokera baba pashure zvose zvandakavaitira here? Ivo vachanenge vachindida here? Handikodzeri kunzi mwanakomana wavo. Ndinobvuma kuenda semushandi kana akandigamuchira.”
Ipapo akasimuka patsoka dzake ndokufamba achinanga kumba kwababa vake. Akanga achida kuona kuti baba vachamuregerera here?
Baba vakanga vachisuwa kubvira mwanakomana wavo akaenda. Kazhinji vaibvunza, “Achadzoka here?” Rimwe zuva vakaona munhu ari kuuya ari kure. Angave mwanakomana wavo here? Ivo pavakaona kuti ndizvo vakamumhanyira maoko ake akatambanudzwa.
Mwanakomana wavo akati, “Baba, ndakakutadzira. Handifaniri kunzi mwanakomana wenyu.”
Asi baba vake vakati, “Muunzireyi nguo yakaisvonaka nokumubikira mabiko. Mwanakomana wangu wakarasika akawanikwa.”
Isu tose takafanana nemwanakomana uyo; tose takasiya Mwari, Baba vedu. Isu tose takarasa mikana pamwe chete nezvinhu zvakanaka zvatakapiwa navo. Takagara tichizvifunga chete nokumupandukira. Nhasi Baba vedu vokudenga vanotikoka kuti tiuye kuna Jesu. Anotimirira maoko ake akatambanudzwa.
Jesu akatiratidza rudo rwake iye achipa upenyu hwake samubayiro wezvivi zvedu, nezvivi zvenyika yose. Akarwadziwa neakasiyiwa achibvumira kuti vakaipa vamusungira nazvipikiri pamuchinjikwa. Kuburukidza simba raMwari akamuka kuvakafa anogara nokusingaperi.
Uyai kuna Jesu muchimukumbirira ruregerero rwezvivi zvenyu. Iye kana achiona kuti une urombo nokuda kwekutadza kwako, achakuregerera nokubvisa zvivi zvako zvose neropa rake rakadururwa. Zvinenge zvinonakidsa! Uchava munhu mutsva. Upenyu hunenge huri hutsva. Jesu achabvisa mhosva nekutya kwako achipa mufaro. Iye achava Muponisi wako.