Jesu Shamwari Yako
Ndine shamwari. Ishamwari yakakoshesesa yandati ndambova nayo. Ane tsitsi nezvokwadi zvekuti ndaidisa kuti dai wamuzivawo. Zita rake ndiJesu. Chinhu chinofadza zvikuru ndechekuti iye anoda kuva shamwari yako.
Chirega ndikuudze pamusoro pake. Tinoverenga pamusoro pake muBhaibheri. Bhaibheri izvokwadi. Ishoko raMwari.
Mwari ndiye akasika nyika nezvose zviri mairi. Ndiye Ishe wekudenga nepasi. Anopa hupenyu nemweya wekufema kuzvinhu zvose.
Jesu mwanakomana waMwari. Mwari akamutuma kubva kudenga kuuya panyika kuti azova Muponesi wedu. Mwari vakada nyika nokudaro (Mwari vakada iwe neni) kuti akapa Mwanakoman wake mumwe woga, Jesu (kuti afire zvivi zvedu) kuti aninaani anotenda kwaari arege kufa asi ane nehupenyu husingaperi. Johani 3:16
Jesu vakauya panyika semwana mucheche. Baba naAmai vake panyika vaiva Josefa naMaria. Jesu vakazvarirwa mudanga vakaradzikwa muchidyiro chemuka.
Jesu vakakura vachigara naJosefa naMaria avo vaaiteerera. Aiva nemadzikoma nehanzvadzi avo vaaitamba navo. Aibatsira Josefa mubasa rake rokuveza.
Apo Jesu akazokura kuve murume, akatanga kudzidzisa vanhu pamusoro paBaba vake vokudenga. Akaratidza vanhu kuti Mwari aivada. Jesu akaponesa varwere nekunyaradza vaitambudzika. Aiva shamwari yevana vadiki. Aidisa kuti vana vave pedyo naye. Jesu aiva nenguva nevana. Vana vaidawo Jesu, vachida kuva pedyo naye.
Vamwe vanhu vaisada Jesu. Vakamuitira godo, uye vaimuvenga. Vaimuvenga Jesu, zvekuda kutomuuraya.
Rimwe zuva raityisa vakatozouraya Jesu nekumorevera pamuchinjikwa. Jesu akanga asina mhosva. Aifanaira kufa pachinzvimbo chako neni nekuti isu tose takatadza.
Rungano rwaJesu haruperi nekufa kwake. Mwari vakamumutsa kubva kuvakafa! Vateveri vake vakamuona. Rimwe zuva akazoendazve kudenga.
Nhasi anokwanisa kuona uye kukunzwa. Anoziva zvose pamusoro pako uye anokuda. Ingouya bedzi kwaari mumunyengetero.
Udza Jesu zviretso zvako zvose. Iye akagadzirira kukubatsira. Unokwanisa kukotamisa uso hwako wotaura naye nguva ipi zvayo, uye nzvimbo iri ipi neipi zvayo.
Rimwe zuva Jesu anodzokazve! Achazotora vose vanotenda maari oenda navo kudenga.