Chinangwa chebhaibheri rinoera hachisi chokuburitsa pachena Satani namabasa ake. Asi tinoverenga zvizhinji mubhaibheri zvinoratidza zviito namabasa ake. Satani neimwe nguva akanga ari ngirozi, asi akapandukira Mwari, musiki wake, uye aida kuti afanane naye. Zviito zvehumambo hwerima hwaSatani hazvisi zvitsva. Zvinoratidza zvaanowanzoita kubva kare, iye achida kukunda humambo hwaMwari. Anopa imwe nzira yakasiyana nezvingaitwa naMwari kupfurikidza naMweya Mutsvene. Tikaverenga munaEksodo nezve masimba en’anga dzemaEgipiti apo padzakaedza kudzokorora kubudisa zvishamiso zvakaitwa naMwari paruoko rwaMoses. Mubhuku raJobho tinooneswa kuti Satani akanga aine ruchiva nokutendeseka kwakanga kwakaita Jobho kuna Mwari. Akashandisa utsinye nokupa nhamo nokuedza kumanikidza Jobho kuti apandukire Mwari.
Pakutanga kwakanga kusina chiripo panyika. Kusina hove. Kusina nyenyedzi. Kusina makungwa kana maruva akanaka. Kwose kwakanga kusina chinhu kuchingova nerima. Asi Mwari akanga aripo, iye Mwari watirikungonamata nhasi uno. Mwari akanga aine hurongwa hwakanaka. Akafunga nezvenyika yakanaka, ari kufunga kudaro akabva aigadzira. Akaigadzira yose pasina chinhu. Mwari paaigadzira chero chii zvacho, aingoti “Ngazvigadzirike,” zvichibva zvangoita. Akasika chiedza. Akasika nzizi namakungwa, neuswa hwakazara pasi pose, nemhuka, neshiri pamwe nemiti. Pakupedzisira, Mwari akasika murume, achibva azosika mukadzi womurume uya. Mazita avo aiva Adhamu naEvha. Mwari aivada zvakanyanya. Manheru oga oga Mwari aivashanyira mubindu ravaigara.